Kurovererwa

21Mumwe murume aibva kuKurini, Simoni baba vaArekizanda naRufasi, akanga achipfuura achibva kumaruwa, vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa. 22Vakaenda naJesu kunzvimbo yainzi Gorogota (kureva kuti Nzvimbo yeDehenya). 23Ipapo vakamupa waini yakavhenganiswa nemura, asi haana kuinwa. 24Uye vakamuroverera pamuchinjikwa. Vakagovana nguo dzake, vakakanda mijenya kuti vaone kuti mumwe nomumwe angawanei.

25Yakanga iri nguva yechitatu pavakamuroverera. 26Zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake zvaiti: mambo wavajudha. 27Vakamuroverera pamwe chete namakororo maviri, mumwe kurudyi uye mumwe kuruboshwe. 28Uye rugwaro rwakazadziswa runoti, “Akaverengwa pamwe chete navadariki.” 29Vaya vakanga vachipfuura vaimutuka, vachidzungudza misoro yavo vachiti, “Saka! Iwe uri kuzoputsa temberi nokuivaka mumazuva matatu, 30chiburuka pamuchinjikwa uzviponese!”

31Nenzira imwe cheteyo vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakamuseka pakati pavo, vakati, “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa! 32Kristu uyu, Mambo wavaIsraeri uyu, ngaaburuke iye zvino pamuchinjikwa, kuti tione tigotenda.” Navaya vakanga vakarovererwa pamwe chete naye vakamutukawo.