Timoti naEpafrodhitasi
19Ndine tariro muna Ishe Jesu kuti nditume Timoti kwamuri nokukurumidza, kuti neniwo ndifare pandichanzwa mashoko pamusoro penyu. 20Handina mumwe akaita saye, ane hanya kwazvo nokugara kwenyu kwakanaka. 21Nokuti munhu wose anozvitsvakira zvake, zvisati zviri zvaJesu Kristu. 22Asi munoziva kuti Timoti akaratidza kutendeka kwake, nokuti somwanakomana ana baba vake akashanda neni mubasa revhangeri. 23Naizvozvo, ndine tariro yokuti ndimutume nokukurumidza kana ndaona kuti zvinhu zvinondifambira sei. 24Ndinovimba muna She kuti ini pachangu ndichauya nokukurumidza.
25Asi ndinofunga kuti zvakafanira kuti nditumirezve kwamuri Epafrodhitasi, hama yangu, mubati pamwe chete neni uye murwi pamwe chete neni, iye nhume yenyuwo, wamakatuma kuti azondibatsira pane zvandaishayiwa. 26Nokuti anokushuvai mose uye ari kutambudzika nokuti makanzwa kuti akanga achirwara. 27Zvechokwadi akanga achirwara, uye akapotsa afa. Asi Mwari akava nengoni naye, uye kwete kwaari oga asi kwandiriwo, kuti ndirege kuva nokusuwa pamusoro pokusuwa. 28Naizvozvo ndinoshinga kwazvo kuti ndimutume, kuti pamunomuonazve mugofara uye ini ndive nokufunganya kushoma. 29Mugamuchirei muna She nomufaro mukuru, uye mukudze munhu akaita saiyeye, 30nokuti akapotsa afa nokuda kwebasa raKristu, akaisa upenyu hwake panjodzi kuti akwanise kubatsira kwamakanga musingagoni kundiitira imi.


